Luke 4

Kuedzwa kwaJesu

1Jesu, azere noMweya Mutsvene, akadzoka kubva paJorodhani akatungamirirwa noMweya mugwenga, 2umo maakaedzwa naSatani kwamazuva makumi mana. Haana chaakadya pamazuva iwayo, uye pakupera kwamazuva iwayo akanzwa nzara.

3Satani akati kwaari, “Kana iwe uri mwanakomana waMwari, rayira dombo iri kuti rive chingwa.”

4Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.’ ”

5Satani akamutungamirira kunzvimbo yakakwirira uye akamuratidza munguva diki diki umambo hwose hwenyika. 6Akati kwaari, “Ndichakupa simba rahwo rose nokubwinya kwahwo, nokuti ndakahupiwa, uye ini ndinogona kuhupa kuna ani zvake wandinoda. 7Saka kana ukandinamata, huchava hwako hwose.”

8Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’ ”

9Satani akamutungamirira kuJerusarema akamuita kuti amire pachiruvi chetemberi. Akati kwaari, “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano. 10Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:

“ ‘Acharayira vatumwa vake pamusoro pako
kuti vakuchengete kwazvo;
11vachakusimudza mumaoko avo,
kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.’ ”
12Jesu akati, “Zvinonzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”

13Satani akati apedza kuedza kwake kwose uku, akabva paari kusvikira pane imwe nguva.

Jesu Anorambwa muNazareta

14Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika. 15Akadzidzisa mumasinagoge avo, uye munhu wose akamurumbidza.

16Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge. 17Rugwaro rwakapetwa rwaIsaya rwakapiwa kwaari. Pakurubhedhenura, akawana pakanga pakanyorwa kuti:

18“Mweya waShe uri pamusoro pangu,
nokuti akandizodza
kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo.
Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa
uye kuti vasingaoni vaone,
kuti ndisunungure vakamanikidzwa,
19kuti ndiparidze gore rakanaka raShe.”
20Ipapo akapeta rugwaro, akarudzosera kumubati akagara pasi. Meso avanhu vose vakanga vari musinagoge akanga akati nde-e kwaari, 21uye akatanga nokuti kwavari, “Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.”

22Vose vakataura zvakanaka pamusoro pake uye vakashamiswa namashoko akanaka akanga achibuda mumuromo make. Vakati, “Ko, uyu haazi mwanakomana waJosefa here?”

23Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchataura tsumo iyi kwandiri muchiti: ‘Murapi, chizvirapa! Itawo muguta rako rino zvatakanzwa kuti wakaita muKapenaume.’ ”

24Akaenderera mberi achiti, “Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna muprofita anogamuchirwa muguta rake. 25Ndinokuudzai chokwadi kuti kwakanga kune chirikadzi zhinji muIsraeri panguva yaEria, panguva yakadzivirwa denga kwamakore matatu nehafu uye nzara huru ikavapo munyika yose. 26Asi Eria haana kutumwa kuno mumwe wavo, asi kuchirikadzi yeZerafati munyika yeSidhoni. 27Uye kwaiva navazhinji vaiva namaperembudzi panguva yaEria muprofita, asi hapana mumwe chete pakati pavo akanatswa kunze kwaNaamani muSiria.”

28Vanhu vose vakanga vari musinagoge vakatsamwa kwazvo pavakanzwa izvi. 29Vakasimuka, vakamubudisa muguta, vakamutora vakaenda naye kumucheto cheto kwechikomo chakanga chakavakirwa guta ravo, kuti vamusundidzire kumawere. 30Asi akafamba napakati pemhomho yavanhu akaenda zvake.

Jesu Anodzinga Mweya Wakaipa

31Ipapo akaburuka zasi kuKapenaume, guta riri muGarirea, akatanga kudzidzisa vanhu nomusi weSabata. 32Vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti shoko rake raiva nesimba.

33Musinagoge makanga muno murume akanga akabatwa nedhimoni, mweya wakaipa, uye akadanidzira nenzwi guru achiti, 34“A! Munodeiko kwatiri imi Jesu weNazareta? Ko, mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinoziva kuti muri ani, muri Mutsvene waMwari!”

35Jesu akaurayira achiti, “Nyarara! Buda maari!” Ipapo dhimoni rakaputsira murume uyu pasi pamberi pavo vose rikabuda risina kumukuvadza.

36Vanhu vose vakashamiswa vakataurirana vachiti, “Kudzidzisa uku ndokupi? Anorayira mweya yakaipa nechikuriri uye nesimba, ichibva yabuda!” 37Mukurumbira wake wakapararira munzvimbo dzose dzakapoteredza.

Jesu Anoporesa Vazhinji

38Jesu akabva pasinagoge akaenda kumba kwaSimoni. Zvino mai vomukadzi waSimoni vairwara nefivha, uye vakakumbira Jesu kuti avabatsire. 39Saka akakotamira kwavari akarayira fivha, ikabva pavari. Vakasimuka pakarepo vakatanga kuvashandira.

40Zuva rakati rodoka, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vana marudzi akasiyana-siyana ezvirwere, akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo akavaporesa. 41Pamusoro paizvozvo, madhimoni akabuda muvanhu vazhinji, achidanidzira achiti, “Ndiwe Mwanakomana waMwari!” Asi iye akaatsiura akasaatendera kuti ataure, nokuti iwo aiziva kuti ndiye Kristu.

42Mangwanani-ngwanani, Jesu akaenda kunzvimbo yakanyarara ari oga. Vanhu vakanga vachimutsvaka uye vakati vamuwana paakanga ari, vakaedza kumudzivisa kuti asabva kwavari. 43Asi iye akati, “Ndinofanira kuparidza vhangeri roumambo hwaMwari kuna mamwewo maguta, nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” 44Uye akaramba achiparidza mumasinagoge eJudhea.

Copyright information for SnaBDSC